Imbwa yeMunhu

Ignatius Mabasa

 

Synopsis

Munyaya Imbwa Yemunhu mune murume anonzi Musavhaya, kana kungoti Musa muchidimbu, uyo anoti ane kusasimba pamberi pedoro nezvipondamwoyo izvo zvinosakisa kuti ade kuroora mudzimai wemuridzi anonzi, Juli. Murume waJuli anonzi Richard anoita zvemadhiri achisiya imba yake ichidhirika. Nyaya inotenderera zvakanyanya pavaviri ava vanoti, Musa naJuli kunyange zvayo ichizopota ichipinda muhupenyu hwavamwewo vanhu, vehukama, vekukereke pamwe neavo vaisanganikwa navo munzvimbo dzokutandarira dzakaita sedzekumwira nedzimwewo dzakangadaro.

Review

Imbwa Yemunhu, ibhuku rinoburitsa pachena umhizha hwaMabasa hwekuda kuyanika pachena matambudziko anowanikwa navanhu zuva nezuva mukuedza kuraramira nyika nezviri mairi. - Tinashe Muchuri, Munyori Journal

Author

Ignatius Mabasa is a Zimbabwean writer, storyteller, and musician, who writes mainly in Shona.