Synopsis
Dai uri mumwe, dai waverenga zvako bhuku rino. Chibarabada chaTinashe Muchuri chinoendesa mberi-mberi chaizvo novhero reZimbabwe. Chinotangira panoperera mamwe manovhero eZimbabwe atinoziva. Chinodzika chaizvo nenyaya yaShingi neyaFreedom neyako neyangu. Chibarabada chauri kubvunza, chinwiwa chinobikwa muchivande chozongobudiswa panguva yokunwa. Chibarabada chinoona zuva musi wekupedzisira. Unoona vanhu vopukuta miromo nekunze kweruoko vachitaura kunge vange vaina tateguru nezuro manheru. Nyaya yavari kutaura ndeyokuti tiri kungotenderera. Tiri kutenderera nekufashaira mudumbu rechibarabada nokuti kwatakabva kune nyaya. Kana kwatinoenda kune nyaya zvakare!