Chibarabada

Tinashe Muchuri

 

Synopsis

Dai uri mumwe, dai waverenga zvako bhuku rino. Chibarabada chaTinashe Muchuri chinoendesa mberi-mberi chaizvo novhero reZimbabwe. Chinotangira panoperera mamwe manovhero eZimbabwe atinoziva. Chinodzika chaizvo nenyaya yaShingi neyaFreedom neyako neyangu. Chibarabada chauri kubvunza, chinwiwa chinobikwa muchivande chozongobudiswa panguva yokunwa. Chibarabada chinoona zuva musi wekupedzisira. Unoona vanhu vopukuta miromo nekunze kweruoko vachitaura kunge vange vaina tateguru nezuro manheru. Nyaya yavari kutaura ndeyokuti tiri kungotenderera. Tiri kutenderera nekufashaira mudumbu rechibarabada nokuti kwatakabva kune nyaya. Kana kwatinoenda kune nyaya zvakare!

Review

Chibarabada itambo inoradanuka pabhobhiri. Pamwe – rungano rwatsuro nagudo. Pamwe-rwiyo rwepasichigare. Pamwe-kakova kaunonzwa kachirira murima kachirovera pamatombo kachifashuka kachidzika kugungwa isu tichisara tine nyota. Pamwe-ibembera rinoita kuti umbocheuka kuti: hapana here andiona ndichiverenga Chibarabada? Verenga chete nokuti ndiro basa rasara… Verenga! Usacheme! - Ignatius Mabasa

Author

Tinashe Muchuri is a Zimbabwean performance poet, novelist and arts journalist.