Synopsis
vaMabasa vakaratidza hunyanzvi munganonyorwa iyi. Vanofurura hembe dzese pahupenzi vosiya hwangoti pachena njee. Anombori benzi ndiani? Ah kana kubvunza mumwewo mubvunzo, Asiri benzi ndiani? Aiwa bhuku iri rakanyorwa zvinonwisa mvura nekudakadza. Vanobata nyaya dzose dzinoitika paugaro hwedu pavanhu vatema veZimbabwe - kuzvitonga, huori, chipfambi, rudo, hudzvanyiriri, kuroya, kuroyiwa, chirungu, chishona, nhamo, mafaro, kupenga, chinamato, zvematongerwo enyika. Aiwa nokora wega unzwe zviri mugango raMabasa.